
NewZimbabwe.News
Murumre anemakore 22 okuberekwa akamiswa pamberi pedare reHarare Magistrate Court nemusi weChishanu achipomerwa mhosva yekubata mwanasikana anemakore 13 okuberekwa chibharo nekumupa pamuviri.
Dare rakanzwa kuti muna Zvita 2021, Tinashe Muchineripi, uyo aive neshamwari yake, akasangana nemumhan’ari achibva kuzvitoro achibva atanga kutaura naye.
Muchineripi neshamwari yake vanonzi vakazokwezva musikana uyu kuenda naye kwavaigaara ndokukiya gonhi vava mumba.
Muchineripi akabvisa mbatya dzemusikana uyu nechisimba asati amubhinya kamwe chete. Mushure mezvo musikana uyu akazonda kumba kwavo uye hapana waakanoudza sezvo ainge avhundutsirwa naMuchinerip.
Mushure memwedzi mishoma zvaitika, amai vake vakatanga kuona zviratidzo zvepamuviri ndokumubvunza. Akabva ataura zvainge zvaitika. Izvo zvakazoita nyaya iyi imhan’arwe.