
Murume ane makore(42) wekuHighfield akafira mumaoko emusikana wake mushure mekunge mukadzi wake amuramba.
Crema Masiya aive nevana vatatu,anonzi akarwara arikumba kwaTapiwa Tafirenyika (33) kuHighfield.
Masiya akanofira paSally Mugabe mushure mekurwadziwa nemusoro kwaaita neku buda ropa mumhino.
Tapiwa anotaura kuti Masiya akabva kubasa achichema nekurwadziwa nemusoro.
Paakaona kuti aibuda ropa mumhuno nemukanwa,akatsvaga tax inomutakura kuenda naye kumba kwemukadzi wake pakati pehusiku.
Ari munzira, akamupa mamwe mapiritsi kuti musoro waMasiya userere.
Pavakasvika kumba kwaReniya Mubayiwa uyo aive mukadzi waMasiya,akaramba kumuendesa kuchipatara.
Mukadzi waMasiya paakaramba kuendesa Masiya kuchipatara,Mafirenyika akamuendesa paSally Mugabe Central Hospital uko kwaakasvika achifa.