
Murume ane makore (30) anobva kudunhu re5B Insuza, Matebeleland North Province, akapondwa mishire mekunge muvakidzani wake amurova nemupinyi wedemo paanyaya yeku chikwereti.
Kwanele Ncube akaemdeswa kuchipatara cheSt Lukes nemavanga mushure meku baiwa naMthokozisi Sibanda (22) panyaya yechikwereti.
Sibanda aive akatakura banga reOkapi nepfumo achienda kumba kwaNcube. Sibanda achisvika akatanga kushevedzera, akapinda muima yekurara akatanga kumubvunza mari yake yaakakweretwa naNcube.
Havana kuwirirana vese vari vaviri, Sibanda akatema Ncube kaviri mumusoro nedemo, akaenderera mneri nekumurova nemubato kasingaverwngeki mumuviri wake wese asati amubaya nepfumo.
Ncube mumusoro nemuviri wake wese aendeswa kuSt Lukes Hospital kwaanobatsirwa nekurwapwa, akazoita kuti Sibanda asungwe.
Sibanda aendeswa kumatare edzimhosva achipiwa mhosva yekuda kuuraya zvakataurwa musection 47 (1) yecriminal law(Codification and Reform)Act chapter 9:23.