Murume aneHIV akapfigirwa Mutorongo Makore matanhatu Mushure mekuita Bonde nemwana mudiki.
Chizvarwa cheZimbabwe chine hutachiona hweHIV chakaita bonde zvisina dziviriro nemwana mudiki akapiwa makore(6)matanhatu mujeri kuUnited Kingdom.
Cloud Chunga ane makore 47, anonzi aiita Zvakavanzika nemusikana ane makore (15), uyo akanzvenga chikoro kuti arare naye mushure mekubatana pasocial media.
Chunga akabvuma mhosva yekuita zvepabonde nemwana ari pasi pemakore 16, kusangana naye zvichitevera kushambidzika, uye kutora mifananidzo isina kunaka yemusikana uyu.
Mhosva ndeyekuti musikana uyu akasangana naChunga achipfuura, asi nguva yakati gare gare akamubata online kuti vatange kutaurirana pabonde pachivande pasocial media.
Chunga anonzi akaudza musikana uyu kuti aigona kurara naye.
Vaviri ava vanonzi vakaronga kusangana uye , musikana uyu akatiza kuchikoro kuti amuone muLeicester, akapfeka unifomu yake.
Akazoenda naye kuflat iri munzvimbo yeBeaumont Leys kwavakanoita bonde zvisina dziviriro.
Mushure mezvo, Chunga akamupa maBiscuits echocolate eBelgian uye nemafuta.
Dare rakanzwazve kuti Chunga akatora mifananidzo yake asina kupfeka vese vari pamubhedha, iyo yakazowanikwa nemapurisa panharembozha yake.
Nyaya iyi yakazobuda pachena mapurisa aenda kumba kwemusikana mushure mekuudzwa nezvekusaenda kuchikoro kwake.