
Murume ane makore 29 wekuEpworth akaendeswa kudare nezuro mushure mokutsotsonya sinhi remwanasikana wechidiki.
Anopomerwa White Jack,haana kukumbirwa kuti ateterere pamberi paHarare magistrate Judith Taruvinga.
Jack akakumbira rudo kumusikana wemakore 15 uyo ari fomu 2 muna March uye akabvuma.Vaviri vakatanga kudanana uye vaionana nguva nenguva.
Dare rakanzwa kuti umwe musi,vaviri vakasangana kuDelport Road uye vakaenda kwaMuza kwakugara zvavo musango.Jack akabata mwana zvokuti akapedzisira akumubvisa hembe kwakudashura sinhi rwemasikana uyu.
Kubva ipapo vaviri ava vakange vongosangana panzvimbo dzakasiyana.
Rimwe zuva gava rakadambura musungo apo Jack akafonera musikana runhare rukadairwa naamai.Amai vakatanga kunetsana nemwanasikana wavo uyo akataura kuti aiva murudo naJack.
Jack akabva asungwa sezvo amai vakaripota nyaya iyi kumapurisa.