
Murume anogara kuMuguyaka Village kwasabhuku Sengwe kuChikombezi akatiza mushure mekuuraya mukoma wake nemachete nenyaya yekuti aive atengeswa kumapurisa.
Enias Muzvimba (31) akafa musiwe Wednesday manheru mushure mekunetsana nemupfana wake Aram Muzvimba (25) vachibva kunonwa hwahwa munharaunda yavo.
Enias akafira panzvimbo.
Zvinonzi vaive vakomana vatatu Enias, Billiat Muzvimba naAram vaienda kunonwa hwahwa, ndipo pakatanga kusawirirana kwaEnias naAram.
Mupomeri anonzi akarova Enias katatu, mumusoro, kamwe kuruboshwe uye kekupedzisira akadonha pasi uku achibuda ropa rakawanda.
Billiat akaedza kumisa gakava iri asi akatyisidzirwa neAram uyo airatidza kuve akabatwa. Billiat akazodzokera munzvimbo iyi ndokuwana Enias afenda uye Aram asisipo munzvimbo iyi. Enias aive afa panguva iyo Billiat akaunza scotch ngoro kubva kumba.