
Murume ane makore 19 okuberekwa wekwaMarange akamira pamberi pedare achipomerwa nyaya yekubata Mwana anemakore 14 chibharo.
Witness Chapeyama anonzi akatora nzungu pamusika waitengesa mwana uyu ndokumukumbira kuti amutevere kuitira kuti agotora mari yake.
Paakaramba, akamudhonzera musango ndokumubata chibharo. Paakaedza kuridza mhere, Chapeyama akandonyera jecha mumuromo make.
Akamutevera mushure mekunge murume asvika panzvimbo iyi akabva amubata. Chapeyama amira pamberi pemutongi wekwa Mutare, Miss Prisca Tendai Manhibi.
Anyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso achengetwa muhusungwa kusvika musi wa28 Chikumi.