
Pinky Bhekeshita (26) akawonekwa akatakura mabhonzo aJaqueline Mbewe masikati kuma(4) pm.
Mbewe akafa musiwa June 15 2006.
Bhekeshita arikutongerwa nyaya yake yekuchera makuva evanhu kuHarare Magistates Court.
Akarambirwa kuti abhadhare fine paakamira pamberi paMr Dennis Mangosi vakamupa mazuva ari mujeri kusvika musiwa July 29.
VaMangosi vakati Bhekeshita aongororwe nevarapi vezvepfungwa kuti vaone mamiriro epfungwa dzake.
Bhekishita aiiti paaichera makuva evanhu aitsvaga hama dzake.
Bhekishita akachera guva raMbewe paZinyengere Cemetry, akasungwa Mushure mekuwanikwa aine zvisarira.