
Murume anobva kuManicaland,akaenda kudare nezuro,akasungirwa kukuvadza muvakidzani wake neMachete achimupumha huroyi.
Chrispen Mutasa (24) anobva kuplot 13,Sinara Farm,old Mutare,akamira pamberi pamagistrate Perseverance Makhala achipomerwa mhosva yekuda kuponda.
Akapiwa mazuva kusvika musiwa August 19.
Tinotenda Mazondo Musiwa August 2 makuseni na7 am,Loina Mwalawi (36) anobva muplot rimwe chete naMutasa ,aidiridza zvidyarwa shake,ndipo pakasvika Mutasa achimupomera kumuroyera zvidyarwa zvake.