
MURUME wekwaMutare (33) akaripiswa faindi inoita $10 000 yekurova mudzimai wake nekuda kwemeseji yerudo yaakatambira panhare yake.
Casper Johane Gwekwerere (41) wekuWestlea, kwaMutare, nguva pfupi yadarika akamira pamberi pemutongi weMutare Mai Prisca Manhibi nekutyora mutemo weDomestic Violence Act.
Gwekwerere akabvuma mhosva yaaipomerwa.
Vachichuchisa, VaThomas Nyatsuro vakati musi wa31 Chivabvu, Gwekwerere naJudith Mutsamba vaive mubhedhuru mavo,ndipo paakatambira meseji pafoni yake.
“Gwekwerere akabvunza mudzimai wake munhu akamusendera meseji yekuti‘ sweetie ’. Mutsamba akamuudza kuti aive murume wemunin’ina wake mudiki.
“Zvisinei, Gwekwerere haana kuzvitenda izvi ndokurova Mutsamba kakawanda kumeso kwake.
“Akashandisa zvakare danda nechigaro kumurova kamwe chete kumusana,” vakadaro VaNyatsuro.
Mutsamba akakuvara pamuromo, mumhino uye musana. Akaendeswa kuchipatara kunoongororwa nachiremba, asi akatadza kuongororwa nekuda kwekushaya mari.
____________________________
*Join WhatsApp Group to receive dozens variety of hot news, videos and audios in one Group. For more about how to join the group hit this link wa.me/ +263787876754 and send hie…..*