
Murume anogara muHarare akarova atezvara veshamwari yake vanga vaenda kunoona mwana wavo kumba kwake.
Baba Osie akaroora mukadzi wake Tanaka Mango ane makore 24, akabatsirana neshamwari yake kunokutsirana atezvara vake Doesmatter Mango (81) vanga vakuda kunamatira mwana wavo airwara.
Baba vane vana (6) vasikana ne(2) vakomana vakarohwa vakakuvara ziso rekurudyi nekutiza vakasiya bhutsu yavo imwe.
Baba ava vakati vanga vaenda kunoona mwana wavo musikana kunonamata naye nekuti airwara.
“Mwana wangu ndiye wekupedzisira pavana vangu vandinavo, ndakaenda kunomuona kuma11 dzehusiku, murume wake ndiye akandivhurira gate kuti ndiwane kupinda aitonwa hwahwa neshamwari dzake (2).”
“Murume wake akatanga kunetsana neshamwari dzake vachirwa vachipinda mumba saka pandakanovabata kuti vasarwe shamwari yemukuwasha yakabva yandirova ndikazvimba ziso.”
“Ndakatiza ndikadonhedza bhutsu yangu ndikatsika sewage ndakananga kumba, ndinoda mukuwasha wangu abhadhare fine kubatsira shamwari yake yakandirova,” vaMango vanodaro.
Tanaka akati baba vake vanga vauya kuzomuona nekurohwa kwaangaaitwa nemurume wake.
Chokwadi ndechekuti murume wangu neshamwari yake vairwa sakaa baba vangu vaida kuvamisa kurwa kwavaiita vachibva vabatanidzwa neshamwari yemurume wangu.
Tanaka anoti paitiza baba vake ndipo pakadonha phone yavo.