
Murume ane makore (35) ekuberekwa anogara kuKaroi akasangana nevamwe vake vaviri kuti varwise muvakidzani wavo pamusoro pehuni dzakaunganidzwa kubva kumuganhu wepamisha yavo.
Dare rakatongera Kudakwashe James weku Village 4C, Nyamahape, Chief Kazangarare, Hurungwe kuKaroi makore (5) mujeri nemhosva yekuponda.
Mamiriro ezvinhu akange ari ekuti , mushakabvu Michael Tachiringwa (29) akaenda kuminda yake kunotema huni pamuganhu wemusha wake pamwechete newaJames.
Vaive mubishi kuunganidza huni, James akasvika akamutsiura achipokana nazvo, achiti miti yaive yake.
Zuva rakatevera nenguva dza10 mangwanani, hama mbiri idzi dzakabatana pamwe chete naTony Marowa, uyo akatiza pavakaponda, ndokuunganidza huni dzaitakurwa nengoro dzichienda kumba kwaKudakwashe.
Izvi zvakatsamwisa Tachiringwa uyo akaenda akanosangana nevatatu zvichikonzera kupesana kwemazwi.
Chamunorwa akashandisa foshoro kutema Tachiringwa pagumbo.
Kudakwashe akamhanyira kukicheni yakanga isisashandiswe kwaakanotora banga ndokuenda paive pakarara Tachiringwa pasi ndokumubaya pagumbo rakanga ratokuvara kare.
Tachiringwa paakaramba akarara pasi zvinonzwisa tsitsi pasi, Marowa akapakatira danda ndokumurova zvakaipisisa mumuviri wake wese.
Mhondi nhatu dzakatiza munzvimbo iyi.
Tachiringwa akamhanyiswa kuRwizi Rank Clinic nababa vake nevamwe vakabatsira.