
Murume anobva kuManicaland, akakwanisa makore anosvika 8 ari pamusoro petoireti yavo, mushure mekunge abuditswa mujeri reChikurubi maximum.
Mashura akadayi akaitika kuMandeya village, ward 11 kwaChief Chidawanyika, murume (38) anga akuda kupedza gore aripatoireti mushure mekuburitswa mujeri.
Amai vake vanoti, akasungwa mushure mekuuraya mukoma wake vachinetsanirana zvokudya.
Paakaburitswa, murume uyu anga akurara pamusoro pechimbuzi. Hma dzke dzakaedza kumuti abva pamusoro pechimbuzi zvakashaya basa, Amai vake vaMbuya Tsogodo, vanoti vanomupa zvokudya, magumbeze nezvimwewo zvinodiwa kushandiswa iye ari pamusoro pechimbuzi, izvi zvakataurwa naSabhuku vemumusha umu vaSabhuku Mandeya.
Murume uyu akazoburuka pamusoro pechimbuzi mushure mekunge muni’ina wake apwanya rimwe divi rechimbuzi uye akufamba akakotama nekuswera akagara.
Iye zvino akugara muimba yakakwana.yakakwana.yakakwana.yakakwana.Nekudaro, vanhu vemumusha vanoti muviri wake wakeremara kubva pakurarama pachimbuzi kwenguva yakareba.
Zvakaita kuti murume uyu agare pamusoro pechimbuzi inyaya yekuti aitya nyoka. Sezvo ainge agara mujeri, imba yake yaive isina gonhi, sezvo aigara pamusoro pechimbuzi nyoka dzaisakwanisa kusvika kwaari. Sezvo akugara mumba anogara akabatidza moto kuti nyoka dzisasvike.