
Murume ane makore (25) anobva kuChiredzi kuMasapasi Village kuMukwasine akafa mushure mekurwiswa nenyati paaitsvaga huni kuisland mudhuze nekuSave River.
Spokesperson wekuMasvingo Provincial Police, Imspector Kudakwashe Dhewa vanoti Innocent Ndandi akawonekwa akafa musiwa 12 July, matsimba enyati aive akatenderedza nzvimbo yaive nemutumbi wemurume uyu.
Flora Ngundu akaenda nemurume wake kuSave River kunochera mvura uye kunotora mombe dzavo kubva kumafuro munguva dza5 manheru.
Ndandi akati kumukadzi wake aendese mombe kumba iye asare achitsvaga huni pachitsuwa, uye achienda kumba, Ngundu akanzwa mhuka yaiita ruzha nekwainge kwaenda murume wake.
Manheru acho Ndandi haana kudzokera kumba, mukadzi wake muzuva raitevera munguva dzekuma 6 makuseni akakumbira vavakidzani kuti vamubatsire kunotsvaga murume wake.
Pamwechete nevavakidzani, vakaenda kuIsland kwaive kwaenda Ndandi kwaakapedzeserwa kuwanikwa ari kwavakaona matsimba enyati aivepo.
Vakabva vatanga kutevedza matsimba enyati, vachibva vaona mutumbi waNdandi urimurwizi neropa raive rakazara nzvimbo iyi.
Nyaya iyi yakanoudzwa mapurisa, akaenda kwakafira Ndandi.