
Magistrate weku-Chinhoyi atongera mumwe murume ane makore 50 anogara kuBanket makore 40 arimujeri nemhosva yekubata chibharo nekutapurira musikana ane makore 11 hutachiona hweHIV.
VaIgnatius Mugova vakawana Doit Madzama wekuDunphale Farm aine mhosva mbiri dzekubata chibharo akamutongera makore 43 nokuda kwekuti akambopara mwe mhosva yekubata chibharo.
Muchuchisi Mai Kesia Teveraishe vaudza dare kuti pazuva risingazivikanwe pakati paNdira naApril gore rino uye kuDunphale Farm, Madzama akabata chibharo musikana ane makore 11 ekuberekwa achitsvaga huni.
Dare rakanzwa zvakare kuti Madzama akamutyisidzira nekumurova nedemo kana akaridza mhere.
Akabva avimbisa mwana uyu kumupa madhora makumi matatu, akamuudza kuti achamubaya nebanga ndokumukanda mumunda wechibage kana akaita ruzha.
Madzama, uyo akazoenda kumba kunogara musikana uyu achikumbira mvura akabva aisa $30 us mumukomba ndokuenda.
Madzama akataimira musikana ari wega kumba kwavo achibva amukwevera kumba kwake ndokumutyisidzira nebanga asati amubata chibharo.