
Murume wekuKwekwe ari kurwira hupenyu hwake mushure mekunge mwana wemukadzi wake amubaya nebanga pachipfuva nekuda kwekugumisa hukam hwake naamai vemukomana.
Absolom Muzanharo akamhanyiswa kuGweru Provincial Hospital nebanga rakaramba rakabaya pachipfuva chake.
Absolom Muzanharo (45) akasvika pamba achibva kubasa ndokuti anoda zvinhu zvake kubva kumukadzi wake Flora Nkomo (46) achiti haachamude uye havana kunzwisisana Muzanharo akatora dombo akatema Nkomo pachipfuva.
Nkomo akakwanisa kutiza achisiya mwanakomana wake mumba, Muzanharo akaedza kurova mwana uyu netsvimbo, mukomana akabva atora banga ndokumubaya kamwe chete pachipfuva.
Mukomana uyu akasungwa, Muzanharo akaendeswa kuKwekweGeneral Hospital ndokuzoendeswa kuGweru Provincial Hospital.