
Murume ane makore 30 akafa mushure mekunge mota yeHonda Fit yaaifamba nayo yapidiguka mumugwagwa weGweru-Shurugwi.
Inspector Mahoko vati chiitiko ichi chaitika mutyairi Mind Mutambwa aityaira achibva kuShurugwi akananga kuGweru.
Mutambwa aityaira ega uye achisvika pa 22,5kilometre hoko, akatadza kudzora mota iyo yakatsauka ichibva mumugwagwa isati yapidiguka. Mutyairi akakandwa kunze kwemotokari ndokufira ipapo.