
Murume ane makore (45) mutumbi wake wakaonekwa uripamusoro pamvura mutsime kuSouthlea Park.
Mapurisa arikufefetera nyaya yaTawedzerwa Mumvuri anofungidzirwa kuti akapondwa akakandwa mutsime.
Violet Mumvuri 21 anova mwanasikana waTawedzerwa, akaenda kubasa achisiya baba vake voga pamba, paakadzoka anotaura achiti akavashaya pamba, akazovatsvaga zuva raitevera ndokuvawana mutumbi wababa vake wakayangarara pamusoro pemvura mutsime repamba pavaigara.
Akaudza vavakidzani nyaya iyi isati yamhan’arwa kuSouthlea Park Police Station.