
Murume wekuChitungwiza akarohwa kusvikira afa achibva kumba kwemusikana wake mushure mekufungirwa kuti imbavha.
Paul Masarakufa (23) akafira kuSt Mary’s surbub muChitungwiza mushure mekurohwa nekudirwa mvura ine munyu, aive akasungwa.
Masarakufa aienda kuZengeza 3 mushure mekusawirirana nemusikana wake Sheila Manyika (28).
Mapurisa akasunga Mufundisi Werren Mupereki nehanzvadzi yavo Mai Kuda vakazviendesa vega vaona kuti Masarakufa afuga rake ega, vamwe vaviri vachiri kutsvagwa.
Vakaona zvichiitika Mupereki nehnzvadzi yavo vaifunga kuti Mupereki aive mumwe wematsotsi aive aba runhare rwavo muzuva rimwechete kumba kwavo.
“Akarohwa akasungirirwa pamuti.
“Mvura yaive nemunyu akaidarwa achirohwa, airamba mhosva yaaipomerwa kusvikira aburitsa mweya wake wekupedzisira.
Vanoti mhomho yevanhu yakamurova zvakaipisisa.
“Mupereki nehanzvadzi yake nevamwe vaviri vakaramba vachimurova kusvikira afa, vamwe vakamira kumurova nekuti vainge vaona kuti vakuuraya munhu.
Musikana wake Manyika anoti akauya achibva kumafaro uye aive akadhakwa.
“Akatanga kuita ruzha rwakanyanya kusvikira sekuru vangu vamubvunza zvaaitira ruzha, akati ndauya kuzokumbira ruregerero nezvandinoita mwana wenyu.
“Ndakamuidza kuti auye nemusikana wake achitaura zvaarikutaura achimuudza kuti aive adzoka kwandiri,” Manyika anodaro.
Vakadana kwemakore anosvika (5).
“Gore ranga riri gore rechi (5) tiri tose.
“Aiahanda semukorokoza ndaiziva kuti kana ane mari aindipa yangu.
“Ndakamubvunza kuti sei akandiitira hutsinye, akudzoka kwandiri achi kumbira ruregerero.
“Zvandinoziva ndezvekuti haasi mbavha uye haana kumbobvira aba chero-dollar zvaro.
Haana kuziva kuti Masarakufa akabca nguvai kumba kwavo, akamusiya ariko mushure mekumusiya achiita ruzha.
Munin’ina wemufi Kudakwashe anoti mukoma wake akaenda kumba kwemusikana wake mushure mekubva kwaainge aenda kumafaro kuZengeza. .
“Ndaive naye nezuro kumafaro kuZengeza.
“Aive akadhakwa ndakamusiya achienda kumba kwemusikana wake.
“Ndirikurwadziwa nemafiro akaita mukoma vangu nemaitiri avakamuita nekuti mukoma wangu aisave mbavha.
“Kubva tichikura hapana zuva randakambonzwa kuti mukoma wangu abira munhu,” Kudakwashe anodaro.