
Murume wekuMount Darwin ane makore 41 ekuberekwa akafa mushure mukunge anwa musombodhiya wakawandisa kumashops nemusi weChina.
Hutano hwaStanley Gomo hwaga hwadzikira uye akafa ari munzira kuenda kuchipatara kunorapwa.
Mumiriri wemapurisa kuMashonaland Central Province Inspector Naison Dhliwayo vakazivisa nyaya iyi vachiti Gomo akafa mushure mekunge anwa doro rakawandisa.
“Shamwari yake Talent Chaurawa akambozama kuda kubatsira mumwe wake asi zvakaramba,akazotora mumwe wake kuti vaende kuchipatara apo Gomo akafira munzira. Mutumbi waStanley uchiriko kuchipatara wakamirira post-mortem.