
Mumwe murume, uyo akarwisa mukadzi wake pamwe naamai vake, azvuzvurudzirwa kudare.
Rangarirai Nyamupepe naamai vake VaSimbiri Tembo vakamiswa pamberi pemutongi wedunhu reChinhoyi Tamari Chibindi vachipomerwa mhosva yekuita mhirizhonga.
Mumhan’ari panyaya iyi mudzimai waNamupamupepe Charlene Kuvheya, ane makore makumi maviri nemana. Kutongwa, VaTinoziva Chipupuri vakaudza dare kuti musi wa21 Chivabvu, kuCitrus Farm kuChinhoyi uye nenguva dza10 manheru, Nyamupepe akasvika pamba pake apo mudzimai wake aive akagara mukicheni nevavakidzani vake. .
Akatanga kupopota achimubvunza kuti sei asina kupa mwana wavo ngowani yekupfeka uyezve achiti Kuvheya ipfambi.
Nyamupepe akamurova kaviri pambabvu. Vamwene vaKuvheya Tembo akavabvunza zvainge zvaitika uye, apo Kuvheya aive achiri kurondedzera zvaive zvaitika, murume wake akabva atanga kumupopotera.
Akamupomera mhosva yekuita chipfambi ndokumuraira kuti arongedze mabhegi ake aende. Tembo akamurova kumeso kakawanda achishandisa mawoko uye akaponeswa nevavakidzani, avo vakamununura kubva pakurwadziswa zvakare.
Akaenda akanomhan’ara nyaya iyi kuZRP Chinhoyi kumaruwa zvichitungamira kukusungwa kwevaviri ava.