
MUDZIMAI wekuChimanimani, uyo wekuzviitira tsvina apo akayedzerwa ari pamumwe musha ari musvo ndokureurura kuti muroyi zvekare achida kubvuta kamwana kepamusha uyu, akabatwazve svondo rapera ari pamumwe musha.
Mushure mekunge awanikidzwa ari pamba pemumwe mukadzi waanogara naye munzvimbo imwechete achida kubvuta muzukuru wake nguva yadarika, svondo rapera akabatwa zvakare ari pane mumwe musha.
Enesis Kaisa anonzi akaonekwa achida kupinda mumba memunhu waaida kuroya umo ainge arere. Kusiyana nenguva yadarika apo akabatikidzwa ari musvo, Kaisa pachiitiko chepiri ichi aive akapfeka nhumbi dzake.
Mambo Saurombe vekudunhu iri vanotsinhira chiitiko ichi vachiti chakatora nzvimbo kubhuku raChiutani. Vanoti Kaisa anogona kudzingwa mudunhu ravo kana akawanikwa aine mhosva pachapinda nyaya iyi kudare ravo.
“Izvi hazvigamuchirike zvachose. Apo takange tichangopedza kutonga nyaya yake yekutanga mushure mekunge abatikidzwa achida kuuraya mwana wemumwe munhu, adzokorora zvakare. Achamiswa mudare rangu uye Mambo Muusha vanotarisirwa kuve varipo zvakare. Tichatonga tose nyaya iyi,” vanodaro Mambo Saurombe.
“Akaita mhanza yakaipa nekuti vanhu vakawanda vemunzvimbo iyi vave kuchengetedza misha yavo nemiteyo. Ndinovimba kuti akange asina ruzivo nemamiriro ezvinhu aya. Kana akawanikwa aine mhosva, tichamudzinga kubva mubhuku raari kugara asi anofanirwa kutanga aripira mhosva dzake. Hatidi zvachose maitiro akadai.”
Dare rakaudzwa kuti Kaisa akabatikidzwa mambakwedza akarara pachivanze chepamusha pemunhu waaida kuroya.