
MUDZIMAI wemuHarare akaenda kudare achida gwaro redziviriro kubva kumuroora wake uyo ari kumupomera mhosva yekumuroya.
Nyasha Chiponda akamiswa pamberi pemutongi wedare reHarare Civil Court, Tamara Chibindi achida gwaro redziviriro kubva kumuroora wake Vongai Taruvinga uyo waanoti akamutuka kuti muroyi mushure mekunge aramba kuita makuhwa naye.
Mejasitiriti akarasa chikumbiro ichi achiti inyaya isina musoro uye haina humbowo hwakakwana.
“Ane katsika kekuuya kwandinogara achinditi ndiri muroyi orara pamukova pangu. Musi waNyamavhuvhu 18 gore rakapera, akandirova ndikazonopotera kumba kwasekuru vangu. Anouya zvakare achida mari yerendi neyehupfu yaanopihwa nemurume wangu mushure mekutyisidzirwa,” anodaro Nyasha.
Zvisinei, Vongai akati vamwene vake havamude, sezvo vakatora mwanakomana wavo vachiti havaenderani.
By Makhoti