
Murimi wezvipfuyo anobva kuChiwundura akasungwa mushure mokutenga chibage chokwana mari inoita $1,2 million kubva kuvagari vemunharaunda avo vaive vakachipihwa paPfumvudza/Intwasa uye Presidential farming inputs schemes.
Kubva pamascheme aya,vagari vaive vakapihwa mbeu uye vaitarisirwa kuzotengesa chibage chavanenge varima kuGrain Marketing Board (GMB).
Murimi uyu akatotsvaga nzvimbo yaaitengeserwa chibage ichi uye GMB haina chayakawana sezvo akatora chose .
Tsvagurudzo yakasvika kwaA.G Franceys and Sons warehouse uko vakawana chibage chaitengwa naFranceys zvikaita kuti asungwe.