
Murume azviita mupurisa anogara kuHwange, Joas Tshuma (29) akasangana nomumwe mukadzi 19 aive asina kupfeka mask ndokubva amuti watosungwa ndirimupurisa, ndokubva aenda naye nekanzira kemusango uko kwaakazonomurepa
Tshuma anogona zvakare kuve mubatanidzwa kune dzimwe nyaya nm
nhatu dzekubata vanhu chibharo.
Anonzi aiita nyaya idzi achizviti mupurisa achivaudza kuti vasungwa ndiyo nzira dzaaishandisa kubata chibharo.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North Inspector Glory Banda vakatsigira kusungwa kwaTshuma.
Mapurisa akasunga murume akabata chibharo mukadzi mushure mekunyepedzera kuita mupurisa
Anoti Tshuma anga akapfeka bhurugwa, bhurugwa rechipurisa, bhutsu yemapurisa, T-shirt tsvuku nejacket nhema apo anonzi akabata chibharo mukadzi ane makore 19.
Tshuma aishandisa zita rekuti Constable Rupisa asati amuudza kuti amusungira nyaya yekusapfeka mask.
Mukadzi akateerera uye vakashandisa nzira diki inopfuura neHwange Colliery Golf Course.
Munzira VaTshuma vanonzi vakapfimba mukadzi uyu achibva aramba.
Mushure mekuita mhosva iyi, Tshuma anonzi akaperekedza mukadzi uyu kwaanogara ndokutyisidzira achiti achamusungisa kana audza chero ani zvake nezvezvakaitika.
Mukadzi uyu akarondedzera nyaya iyi kumukomana wake uyo akamuperekedza kunomhan’ara kumapurisa.