
Mumwe wematsotsi akauraya Mupurisa musiwe Muvhuro manheru kuLuveve, Bulawayo, akauraiwa munguva dzavaichinjana pfuti.
Constable Gibson Tafara Madzimure (35) vakapfuurwa nepfuti mumusoro mushure mekubatsira mumoney-changer aida kubirwa.
Madzimure akafa kuchipatara cheMpilo Central Hospital. Mumwe wemapurisa eSpecial Tactics Team kuFairbridge.
Musiwa 9 Nyamavhuvhu munguva dza9 masikati, money-changer Last awashe anobva kuLuveve akanomhan’ara kumapurisa achiti arikuteerwa nematsotsi.
Akati aiteerwa nematsotsi anobva kuSouth Africa.
Mapurisa akendeswa kunochengeta pamba paMukomawashe nekumonitor mafambiro ake.
Mukomawashe akawona. mapurisa akachengeta pamb pake.
Madzimure paakaona Mukomawashe, akasimuka asi aive asina kuona matsotsi matatu aitevera Mukomawasha. Paakapinda pagedhi mumwe wematsotsi akamutevera kumashure. Madzimure akapinda mukati megedhi,megedhi,asi akabva apfuurwa netsotsi raive kumashure kwake, matsotsi aya akabva atiza.
Mamwe matsotsi maakatiza mapurisa akaona Star pistol ine 9mmĆ6 ne CZ pistol ine magazine 10 rounds.
Mapurisa akaona futi zvakare mota yeVW Golf yaive isina number plate.
VaNyathi vati havasi kuzorora kusvikira matsotsi aya abatwa uye neakauraya Constable Madzimure.