
Mupurisa akamira pamberi pedare nezuro mushure mekunge atema mukadzi uyo waakakwidza motokari yake.
Calm Kungisai (29) akamira pamberi wemutongi wedare Joseph Mundondo nemhosva yekurova munhu nekutakura vanhu.
Mapepa edare anoti, Kunganisai mupurisa anoshanda ari kuMbizo Police Station. Mutongi wedare vaMudondo vakamuti abhadhare $7000 yebatiso uye achagara muchitokisi kusvika musi wa15 Gunyana.
Zvinonzi musi wa30 Nyamavhuvhu nenguva dza3 masikati Kungisai aityara Isuzu truck ine registration number AEM 4585 achibva kuKwekwe achienda kuHarare.
Musi uyu aiva akapfeka uniform yemapurisa uye Nomsa Mabwe uyo akatemwa aiva akagara kumashure.
Kungusai haana kumira paakanzi amire nemukadzi uyu. Mukadzi aid kuburukira paTelone asi akaburutsirwa paGlow Service Center Station.
Vaviri ava vakatadza kunzwisisana zvakaita kuti Kungusai arove Mabwe mambama kakawandisa.
Kungisai akanhonga dombo ndokubva atema Mabwe pamusoro peziso zvakaita kuti aite ronda, vanhu ndivo vakazomisa kusawirirana kwevaviri ava.
Kungusai akasungwa nemapurisa akange aziviswa nevanhu vakaona chiitiko ichi, Mabwe akaendeswa kuchipatara kunorapwa.