
Mupurisa mukuru wekuVictoria Falls anonzi akabaya mudzimai wake nebanga kanokwana kagumi achimuuraya ipapo.
Constable Bright Ndlovu (28) vekuZRP Victoria Falls nemusi weChina wadarika vakatevera Mai Muchaneta Siziba (21) vakananga kuKamativi uko vakavarova zvine utsinye vachinzi vakaramba kuyanana naye.
Mai Siziba vaive vatizira kuKamativi kunogara natete vavo mushure mekunge Ndlovu aunza mumwe mukadzi kumba wekuroora gore rakapera.
Mapurisa anoti mutumbi wainge uine maronda ekubaiwa akawanda uye ura hwainge hwabuda.
Vaviri ava vakagara vese kuVictoria Falls Mai Siziba vasati vasiya imba yavo yemuchato mushure mekunge Ndlovu aroora mumwe mukadzi.
Akaenda kunogara natete vake munzvimbo yeTinde yeKamativi. Ndlovu akamutevera svondo rapfuura Chishanu achida kumukumbira ruregerero kuti adzokere kumba, mudzimai anonzi akaramba kudzokera, anonzi akamubaya kanoverengeka pamberi patete vake Mai Easter Dumbura Shoko.
Ndlovu akatiza kubva munzvimbo iyi uye akasungwa neMugovera masikati pazvitoro zvePashu kwaakange amira kuti atenge chikafu apo mupurisa akangwarira akamuona. Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vakurudzira veruzhinji kuti vasashandise mhirizhonga kugadzirisa nyaya.
Ndlovu ari kubatsira mapurisa kuferefeta nyaya yake, uye ari kutarisirwa kumira pamberi pedare nhasi achipomerwa mhosva yekuponda.