
Murume wekwaMusana, kuBindura, ari kutsvagwa nemeso matsvuku nemapurisa eko achinzi akaponda mudzimai wake wechigumi nemumwe pabarika uyo waaipomera kuita gumbo mumba gumbo panze.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti akapondwa ndiEmerina Gandira uyo asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa uye aiva mudzimai wechi11 pachipari.