
Muporofita anozvimiririra akazvuzvurudzwa kudare neChitatu nekuda kwekubata zvisiri pamutemo nyoka huru yakeba 2m muAfrica iyo yaaishandisa sechimwe chezvinhu zvake zvekunyepa.
Mhando yenyoka iyi inokosha US $ 5 000.
Chusi Bhunu (31) wemuVillage 2, kupurazi reBinje, kuDoma kuMhangura, akamira pamberi pemutongi Tapiwa Banda kuti akumbire kuregererwa, asi dare rakaratidza kuti harina masimba pazvinhu zvakadaro.