
Muporofita wekuChikanga, kwaMutare, akasungwa nematikitivha ekuMarondera mushure mekuwanikwa aine nyoka yerudzi rwemhungu inozivikanwa nekuti “rinkal cobra” muchirungu mubhegi rake.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti Madzibaba Maxwell Muguta – mushure mekubvunzurudzwa nemapurisa – akazotaura kuti aiva atenga nyoka iyi kune imwe n’anga yekumaruwa ekwaSeke inonzi Magorimbo nemari inoita US$70