
Muporofita wekuBindura akasungwa mushure mokutema mwanasikana wake ane makore matatu nedemo.
Lexteen Remwa (39)wekuMadhishi village,Musana kuBindura inotongwa naChief Musana akamira pamberi pedare nezuro akatarisana nemhosva yekuuraya.Haana kupihwa mukana wekuti ataure divi rake.
Musi wa17 Nyamavhuvhu nenguva dza2 masikati Lexteen uyo akatema mwasikana wake katatu nedemo uye achibvunzwa anoti haazive mweya waive wamushanyira panguva iyoyo.
Lexteen anoti pfungwa dzake dzadzoka panzvimbo ndipo paakati bengenu wanike mwana ari mudziva reropa chaunga chakamukomba.