
Prophet Arthur Matsika vekereke yechechi yaGarikai Masowe mumusha weCowdray Park nevamwe vavo 4 vari mudare mushure mekunge vanzi vakaporofita mumwe mukadzi kuti aichengeta nyoka nekudyisa murume wake nyama yembwa.
Panguva yakazadzwa muporofita uyu nemweya wekuMasowe ‘akaburitsa pachena’ kuti Maggie Chikwara anemakore (51) muroyi aichengeta nyoka mumota make achipa murume wake nyama yembwa yakabikwa.
Muporofita akaenderera mberi achitaura kuti Maggie akadyara muthi paMasowe muti uyu waikonzeresa kuti vanasika vose vepaMasowe vaende kumwedzi zvisina tsarukano.
Vanasikana pavakanzwa izvozvo, vakaungana, vanosanganisira Gladys Muleya, mwanasikana waMuleya, Faith Gora naLusyomo Ndlovu nevamwe vechidiki ndokubva varwisa Maggie.
Maggie akarohwa akadzatuka ropa nekukuvara mumuviri wese. Akazonunurwa pakurwiswa nevamwe vakuru vechechi, avo vakapindira ndokumisa vana kubva pakumurwisa. Maggie akamhanyiswa kuMpilo Central Hospital uko akanorapwa ndokuzobudiswa.
Mushure mekunge aburitswa muchipatara akamhan’ara nyaya yekuudzwa kwake huroyi nomuporofita, nyaya yacho ndokubva yaiswa pamhosva yeCriminal Law (Codification and Reform Act) (Chitsauko 9:23).
Pakamiswa pamberi pedare ramejasitiriti, Ulukile Ndlovu, Prophet Matsika pamwe nevamwe vanhu vana vakaramba mhosva iyi. Vanhu vakapomerwa mhosva vakataura kuti murume waMaggie Belton Nduna ndiye akaudza Prophet Matsika kuti mukadzi wake anomudyisa nyama yembwa sezvaakaudzwa izvozvo nemamwe maporofita.
Vakaenderera mberi vachitaura kuti havana kumboti Maggie muroyi uye vakataura kuti zvataurwa izvi zvakagadzirwa sezvo aisaonana nemwanasikana wake wechidiki. Maggie akaudza dare kuti Matsika akati akadyisa murume wake nyama yembwa nemimwe mishonga.
Chapupu chaMaggie, Washington Kona akati: “Matsika nevamwe vake vaaipomera vakati Maggie muroyi uye izvi zvakataurwa pamberi pesangano rechechi. Uye vakatiwo ari kukonzera matambudziko muchechi okuti vanasikana vabude ropa rekumwedzi rakawandisa.
Mumwe mufakazi, Beula Bvuma, akaudza dare kuti muporofita uyu akataura pachena kuti Maggie aida kuuraya vakomana vese vari muchechi iyi.
Prophet Matsika nemamwe ma members emu church iyi vavharirwa muchitokisi kusvika muso wa 3 August vakamirira mutongo wavo. — B Metro