
Mumwe mutengesi wezvinodhaka zvisiri pamutemo anogara kuRuwa akamira pamberi pedare nezuro achipomerwa mhosva yekurova munhu zvakaipisisa kumba kwake apo aifungidzira kuti ndiye akaba mutoriro wake, ne US$ 400 uye zvimwe zvakakosha.
Masimba Makoto wekuDamofalls Phase 1 anonzi paakaona kuti munhu afa akatakura mutumbi wemurume uyu ndokunourasa parutivi mumugwawa waBulawayo.
Makoto akamira pamberi pemutongi wedare reHarare, VaDennis Mangosi, achipomerwa mhosva yekuponda munhu, haana kupihwa mukana kuti ataure mhosva yake, akavharirwa muchitokisi kusvika musi wa2 Gunyana akamirira kutongwa kwake.
Makoto anonzi akabatana naMupunga,Gaza uye murume wechitatu akangozivikanwa saElton ndokubva vaenda kuna Tinotenda Mandiyanike ndokumurova achibva afa, Mandiyanike paakarohwa aive nemumwe wake Stanely Kahari, vachipomerwa mhosva yokuba mutoriro.
Muzvare Monalisa Magwenzi, vachimirira Hurumende, vanoti musi wa22 Chivabvu pakati pehusiku, Makoto, Mupunga naElton vakaendera naMandiyanike naKahari,vachipomera Mandiyanike Mhosva yokuba US $ 400, ukuwo Kahari achipomerwa mhosva yekuba mutoriro.
Vatatu ava vanonzi vakaputira machira mumiromo yevaviri kuti vasakwanise kudeedzera, vakavasunga maoko avo nemakumbo, ndokuzovarova zvakaipisisa netambo dzemagetsi.
Mushure mekurohwa zvakaipisisa, dare rakanzwa kuti vaviri ava vakapedzisira vabvuma kuti vaba, uye vakasungwa vakaiswa mumotokari yeblue Mercedes Benz C180 kuenda kumba kwaMandiyanike.
Hanzvadzi dzaMandiyanike, Miriam Mangozho naVivian Mandiyanike, vakatsvaga zvinhu asi havana chavakawana.
Zvinonzi vakatora Mandiyanike ndokupinda naye mumota yavo ndokutyaira vachienda kuSunway City uko vakamurwisa kusvika afa.
Vanonzi vakamuendesa Windsor 24-hour Medical Clinic muRuwa uko vakanyepera chiremba kuti akarwiswa nemhomho mushure mekupomedzerwa kuba nhare mbozha.
Chiremba akatarisa kuti hana yairova here, asi haana kuona zvinoratidza kuti munhu mupenyu akavati vaende kuno mhan’ara nyaya yavo kuZRP Ruwa.
Zvinonzi vakafamba naBulawayo Road uko vakanorasa mutumbi waMandiyanike.
Kahari akanunurwa neshamwari dzake Stitch, Michael naTyman, avo vaida kutenga mutoriro.