
Munhu anofungidzirwa kuti anoita zvekujamba border akapfurwa nepfuti ndokufa mushure mekunetsana mambavha dzinoshandisa pfuti apo aipfura paborder zvisiri pamutemo murwizi rweLimpopo.
Vaiva pedyo vakati murume uyu akapfurwa mumusoro pakanga ave kusvika kudivi reSouth Africa kuma5 manheru .
Chiitiko ichi chakaitika padhuze ne Spillway 1 km kubva kumabvazuva kweBeitbridge Border Post.
“Akanga achienda kuSouth Africa aine imwe shamwari yake apo pavakasangana nembavha dzine pfuti,” akadaro mutsananguri
“Mufi akanetsana nemumwe wembavha uyo akamupfura mumusoro ndokutiza.” Shamwari yake yakamhanyira kunoudza masecurity officials epa border.
”Mupurisa anotungamira Beitbridge District Chief Superintendent Tichaona Nyongo vanozivisa nyaya iyi.
“Hatisati tawana ruzivo rwakakwana nezvenyaya iyi sezvo chiitiko ichi chakaitika kudivi reSouth Africa,” akadaro.
Mutauriri wemapurisa weSouth Africa kuLimpopo Province, Brigadier Motlafela Mojapelo havana kukwanisa kuti vataure nezvenyaya iyi.
Zviitiko zvekubuda munyika zvisiri pamutemo zviri kuwandisa sezvo vanhu vazhinji vasiri kukwanisa kuyambuka zviri pamutemo nekuda kwemitemo yakaoma yeCovid-19 yakatenderedza nyika dzeSadc.