
Mapurisa ekuBulawayo akumbira veruzhinji kuti kana paine munhukadzi wavasiri kuona kune mutumbi wemukadzi akawanikwa wakandonyerwa mukati megomba remasoweji panzvimbo yakavhurika pakati pePumula East nePumula South neChitatu chapfuura.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reBulawayo Inspector Abednico Ncube vakati mukadzi uyu anofungidzirwa kuti ane makore ekuma20. Aive akapfeka siketi yebhuruu juzi refu rine maoko ebhuruu uye bhutsu chena yeAll-Star size 4.
Mutumbi uyu wakaendeswa kunzvimbo inochengeterwa zvitunha yeUnited Bulawayo Hospitals kuti iongororwe chakaitika kumukadzi uyu.
– Sunday News