
Mumwe murume wekuAlaska ane makore 80 akafa nechirwere cheCovid-19 akavhukunyurwa kubva muguva raainge avigwa nevanhu vasiri hama dzake mushure mokunge zvitunha zvasanganiswa kuChinhoyi Provincial Hospital mochari.
VaSamson Mazivisa, avo vakashaya nomusi wa25 July kuAlaska, vakabva vatakurwa nevanhu vasirivo vachifunga kuti ndiyo chaiyo hama yavo sezvo vanhu vanenge vafa neCovid-19 vasingatenderwi kuitwa body view, vakanovafushira kuMhangura musi wa28 July.
Mhuri chaiyo yomushakabvu uyu yakanga yaita hurongwa hwekunovaviga papurazi reGlan State kuAlaska nemusi weChishanu ndokubva vashaya chitunha chavo, vakazomanikidzwa kumirira rimwe zuva kusvikira mutumbi wavo wanofukunurwa kuMhangura
Imwe hama yaMazivisa yakangozivikanwa saRashid yati chakaita kuti zvibude pachena ndezvekuti vakakumbira kuratidzwa chitunha chavo kunyangwe munhu wacho akafa neCovid-19, ndokubva varatidzwa munhu asiriye izvo zvakabva zvaita kuti pachitangwa kuitwa tsvakurudzo izere ndokuzoonekwa kuti hama yavo yainge yatonivigwa nevamwe vanhu.
Apa ndipo pakatanga mutambo sezvo mutumbi waisawanikwa mumochari.
Mushakabvu Mazivisa akasiya vana vana nevazukuru gumi nevaviri.
‘‘Babamunini vedu vakafa musi wa25 Chikunguru uye vanachiremba vakatizivisa kuti yaive Covid-19,” inodaro imwe hama yacho.
“Patakagadzirira kuvigwa kwake kuAlaska nemusi weChishanu, mutumbi wake hauna kuwanikwa mumochari.”
“Mutumbi wainge wavigwa kuMhangura zvichitevera kusanganiswa kwakaitwa zvitunha mumochari. Guva rakanga racherwa kuAlaska nechekare asi munhu pakange pasisina.”
Mutumbi wakanofukunyurwa nezuro kuti uvigwe zvakafanira nehama dzacho kuAlaska.
Mutauriri weChinhoyi Provincial Hospital, VaGeorge Kapondo, vanoti pakaitwa ongororo pamusoro pe mix up yainge yaitwa mumochari. — Standard