
Mumwe mwana wepachikoro cheMweyamutsvene High School ari kuita form four akamhan’arira chikoro ichi chine chikwereti chake cheUS$300 mushure mekunge aita mabasa ake ekucheka huswa pachikoro ichi.
Mudzidzi uyu akaendesa mukuru wechikoro cheMweya Mutsvene, Mai Grace Chibwe, kuMutare Civil Court achida US$300 iyo chikoro ichi chiri kuramba kumubhadhara.
Mudzidzi uyu anoti akaita chibvumirano nevaimbova mukuru wechikoro ichi, VaRubende, kuti aite basa rekucheka uswa nguva yadarika.
Anoti vakawirirana kuti achabhadharwa US$300 yebasa rake, asi VaRubende vakazobviswa pachikoro ichi vasati vamubhadhara.
Zvakadaro, Mai Chibwe pavakatora chigaro, vakaramba kumubhadhara vachiti ainge akarasa mamwe mabhuku epachikoro ichi.
Akataurawo kuti mwana wechikoro uyu aifanira kubhadharira mukoma wake mari yechikoro.
Mudzidzi uyu akaunza baba vake, VaEdward Vhurudza, kudare semufakazi.
“Mwana wangu akaita chibvumirano naVaRubende chekutema huswa pachikoro ichi, izvo akaita. Chikoro ichi chakati chaizomupa US$300, asi VaRubende vakazobviswa pachikoro ichi vasati vamubhadhara.
“Takaudza mukuru uyu nezvenyaya iyi akavimbisa kubhadhara mwana wangu mari. Zvisinei, akazotiudza kuti mwana wangu ane chikwereti chechikoro cheUS$360. Mari idzi dzaive dzemari yechikoro, mabhuku akarasika pamwe nemari yezvidzidzo zvepazororo.
“Ndakatarisa mwanakomana wangu achibva andiudza kuti hapana bhuku raakamborasa. Kana zviri zvidzidzo zvepazororo akati aibhadhara ma-load maviri ehuni,” vakadaro VaVhurudza.
Vachipindura, Mai Chibwe vakati vanga vasati vasvika pachikoro pakaitwa chibvumirano pakati paVaRubende nemudzidzi.
Zvisinei, vachitonga nyaya iyi, mutongi gava kwaMutare, VaXavier Chipato vakati chikoro ichi chinofanirwa kuwana mari yacho kubva kuna VaVhurudza, kwete kumwana wavo.
Vakati VaVhurudza vanosungirwa kubhadhara mari yemumwe mwana wavo. VaChipato vakati chikoro ichi chibhadhare Emmanuel US$300 yake.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?