
MURUME wemuHarare akamiswa pamberi pedare nezuro nenyaya yekubhadhara mari yeroora achishandisa mari yakabiwa.
Isaac Haruzive (34) haana kupiwa mukana wekuti azvidavirire paakamiswa pamberi pemutongi wedare ramejasitiriti muHarare, Dennis Mangosi, nevamwe vake vaviri, Panashe Tsuro (22) naTongai Chirimumimba (27). Vatatu ava vakaendeswa muhusungwa kusvika nhasi kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.
Zvinonzi nemusi wa31 Ndira Kuzivakwashe Ngwasha neshamwari dzake vakaba bhegi raive neUS$17 500 kuna director weQ Bar muna Five Avenue.
Panguva yekutiza Kuzivakwashe nevamwe vake vakabva vagamwa naIsaac, Panashe naTongai. Vatatu ava vave kuda kumubata, Kuzivakwashe akabva akanda bhegi pasi ndokupukunyuka.
Isaac, Panashe naTongai vakavhura briefcase ndokuona kuti maiva nemari vakabva vanyangarika nayo ndokugovana mari iya.
Mamwe mashoko anoti Isaac akashandisa chimwe chezvaakapamba kutenga zvinhu zvekuvakisa zvaisanganisira masaga 48 esimende, marata edenga pamwe chete nemafuremu egonhi nemahwindo.
Hurumende yakati Isaac akatengawo mombe nhatu, wadhiropu, mubhedha nekicheni unit, pakati pezvimwe zvinhu. Isaac akashandisawo imwe mari kurooresa musikana wake.
By Makhoti