
Mumwe mukadzi wekwaMutare ogara achirohwa zvakaomarara nezvibhakera nemurume wake ane shanje uyo ari kumupomera mhosva yekuita zvehupfambi.
Tafadzwa Rafemoyo anofungidzira kuti mudzimai wake, Grace Muleya, ari kutengesera zvinhu zvose, kusanganisira mutumbi wake, munzvimbo inocherwa goridhe kuPenhalonga.
Rafemoyo anonzi akatenga shamhu yaanoshandisa kurova Muleya mazuva ose achimupomera mhosva yekusavimbika.
Vaviri ava vakamiswa pamberi pemutongi wedare redzimhosva kwaMutare, VaXavier Chipato nguva pfupi yadarika, Muleya achikumbira peace order kuna Rafemoyo.
Kunyange hazvo vaviri ava vave nemakore mana vachigara vese, Muleya anoti anoshanda nesimba kuti akwanise kuita kuti vana vavo vasere vawane chekudya.
Zvakadaro, Rafemoyo akati ane mwana mumwe chete naMuleya, achiti haafanire kutarisirwa kuriritira vamwe vana vanomwe sezvo vaina vana baba vavo.
Muleya akati kubva zvaakaroorwa naRafemoyo haana kumbobvira akagara zvakanaka aine rugare sezvo aingomurova pasina chikonzero.
Akati Rafemoyo anoedzawo kumurambidza kushanda semutengesi kuPenhalonga, achimupomera mhosva yekumu-cheater nevacheri vegoridhe.
Muleya anopomerawo Rafemoyo mhosva yekutarisa nharembozha yake.
Zvisinei, Rafemoyo akapikisana nemashoko aMuleya akati anowanzo dzokera kumba kuma10 manheru sezvo anenge aine zvikomba zvake.
Akatiwo vadiwa vaMuleya vanogara vachimufonera kana ari kumba, nekudaro zvinozoita kuti vanetsane.
Rafemoyo akatiwo Muleya haana kumbotyoka mbabvu.
“Muleya haasi mukadzi wangu, asi musikana wangu. Ndakatanga kugara naye muna 2019 mushure mekunge mudzimai wangu abatwa gomarara remuchibereko. Ndakagara naMuleya kuti ndigutse zvishuwo zvangu zvebonde.
“Handikwanise kuriritira vana vanomwe sezvo vaina vana baba vavo. Ini ndinongotora mwana wangu,” akadaro Rafemoyo.
Chipato akapa Muleya gwaro redziviriro.
Rafemoyo akarairwa kuti asamurova, kumudenha, kumutuka kana kumushungurudza.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?