
Mupurisa akarova munhu aipomerwa mhosva muchitokisi chemapurisa ave kukumbira kunzwirwa nyasha mushure mekunge magweta anorwira kodzero dzevanhu atora mari yake kubva kubhanga rake.
Mupurisa uyu, uyo angozivikanwa nezita rekuti Officer Chafunga wepaSt. Mary’s Police Station kuChitungwiza, ave kukumbira kuZimbabwe Lawyers for Human Rights (ZLHR) kuti account yake yekubhanga isavhariswe.
Izvi zvakaitika mushure mekunge dare rati abvise mari inosvika mazana mana ezviuru zvemadhora ($400 000) pamhosva yekurova mumwe mugari wekuChitungwiza achipomerwa mhosva yekutyora mitemo yeLockdown yeCovid-19.
Vachitaurawo pamusoro penyaya iyi, gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaObey Shava, vakati, “Officer Chafunga wepaSt Marys akanzi nedare abvise $400 000 pamhosva yekurova munhu kwaakaita.”
By Makhoti