
NewsDzeZimbabwe
Mukuru wemapurisa, Commissioner-General, Godwin Matanga, vanotongerwa kugara mujeri kwemazuva makumi mapfumbamwe mushure mekunge vamhan’arirwa nemugadzirisi wezvivakwa, VaEddies Pfugari Properties (Pfugari), vachipomerwa mhosva yekutadza kupa mapurisa mashoko ekuti vaperekedze mutevedzeri wasabhuku kunodzinga zviuru nezviuru zvevanhu zvakatora ivhu rekambani iyi zvisiri pamutemo kuWhitecliff, muHarare.
VaMatanga vari kumiswa pamberi pedare pamwe nemukuru wemapurisa paDzivarasekwa Police Station, VaJudith Tinarwo, avo vanonzi ndivo vakatanga kumhan’ara nyaya iyi.
poster.
Vanhu vakagara paminda yakatorerwa Pfugari zvisiri pamutemo uye vakatarisana nedambudziko rekudzingwa mushure mekunge hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yatadza kubhadhara kambani iyi sezvakabvumiranwa kare.