
Mukoti wekuMarondera akasungwa svondo rapfura nemhosva yekupa vanhu vasina kubaiwa mavaccination cards.
Kenneth Kunaka paakasungwa,mapurisa akaenda kumba kwake uko kwavakanowana mishonga yakawanda izvo zvaakatadza kutsanangura.
Matauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vakati tsvagurudzo ichiri kuitwa.