
Mudzidzi weForm 3 akasara achiyuwira negumbo rakakuvara apo anonzi akarohwa nemapurisa uye akagerwa bvudzi nekuda kwekufamba nemunhu anga ane mbanje.
Ryan Kanyekanye akanetseka kufamba kubva Chishanu sezvo ari kuyuwira negumbo rakazvimba ukuwo musana wake uchizvimbawo mushure mekurohwa kuSt Mary’s Police Station.
“Ndanga ndichifamba neshamwari yangu, uyo anga aine mbanje mapurisa vakamusunga vasati vandiendesawo kuchiteshi.
“Paive nevamwe vana vana vakanga vatorwa.
“Zvakandishamisa shamwari yangu kuratidza kumapurisa kuti ndaive ndakachena asi vakandirova nekushamwaridzana nemumwe wangu wavakange vasunga,” akadaro Kanyekanye.
Mapurisa aishandisa mahandcuffs, zvimiti kutirova zvakaomarara.
“Takasvikorara pasi apo mapurisa maviri aichinjana kutirova.
“Zvinondirwadza kuti mhosva yangu yaive yokufamba nemunhu anga aine mbanje,” akadaro Kanyekanye.
Amai vemukomana vakati vana vakaendeswa kune imwe kamuri uko vakarohwa ndokuzodzoka.
“Vakagadzirwa kuti vaite mapress-ups uye masquats mukuona kwedu kuchiteshi.
“Ndinoda kuti mwana wangu arapwe uye handina mari yekubhadharisa.
“Avo vakamurova vanofanirwa kubhadhara mari yake,” Mai Kanyekanye vakadaro.
Mai Kanyekanye nezuro vakati vakaenda kukamba yemapurisa uko vakatadza kuwana rubatsiro nemumwe mupurisa achimuudza kuti atsigire mabhii ekurapa kumwanakomana wake.
Mutauriri weHarare Provincial, Inspector Tendai Mwanza vakati havasati vatambira gwaro vachikurudzira vanhu ava kuti vamhan’are kuSt Mary’s Officer in Charge.
“Handisati ndatambira mushumo wakadai. Zvisinei, kana paine chero munhu ari kupomera mapurisa mhosva, ndapota regai munhu iyeye anzwe kusununguka kutaura nemukuru wepo , kana Officer Commanding District kana Province kuti vabatsirwe, ”Insp Mwanza.