
Mukomana ane makore 15 wekuEmganwini suburb akazvisungirira mupurazi reManado padhuze neHlekwini, e svondo rapfuura mushure mekunetsana nehama dzake.
Mutauriri wemapurisa kuMatabeleland South, Loveness Mangena, anoti mukomana uyu akashaikwa kwemazuva maviri. Mutumbi wake wakawonekwa wakarembera pamuti nemumwe murume aitsvaga huni.
VaMangena vanoti mutumbi wakaendeswa kuchipatara cheUnited Bulawayo kunoitwa post moterm
Vagari vemuEmganwini vanoti mukomana uyu akanetsana nehama dzake akutora tambo mumba,yaakashandisa kuzvisungirira
“Mukomana uyu aiva mwana wechikoro asi akadzingwa nekuda kwekuba mari,” akadaro Marry Ncube.