
Imwe mhuri yekuKhayelitsha iri kurwadziwa zvikuru mushure mekunge mwanakomana wavo abaiwa nebanga pachipfuva nemumwe musikana ane makore 17 okuberekwa ndokufa musi weMugovera, 25 Kukadzi.
Mushakabvu Njongo Qola ane makore 16 okuberekwa anonzi akabaiwa nebanga nemusikana wechidiki apo aiedza kupatsanura vanhu vairwa.
Mudzidzi wegiredhi 10 uyu aive neshamwari dzake kunzvimbo yeSST kuTown 2 kuKhayelitsha, apo anonzi akabaiwa nebanga kamwechete pachipfuva ndokubva apunzikira pasi ropa ndokutangawo kuita rwizi richiyerera.
Zvinonzi vasikana 4 vakaenda kune imwe shamwari yaNjongo ndokutanga kumutuka vasati vatanga kumurova. Njongo paakaona kuti sahwira yake yakanga ichirwiswa nevasikana ava, anonzi akaedza kumisa kurwa uku. Musikana aive pakati pevairwisa anonzi akaburitsa banga muhomwe ndokubaya Njongo kamwechete.
Tete vaNjongo, Noxolo Mangaliso, vanoti mumwe muvakidzani wavo akasvika pamba pavo akaudza hanzvadzi yake kuti Njongo akanga abaiwa nebanga uye akanga akazvambarara mumugwagwa. Pavakasvika panzvimbo iyi, vasikana vakanga vatiza uye shamwari mbiri dzaNjongo dzakanga dzatiza, dzichitya kuti vaizorwiswa.
“Mwana wedu akaurayirwa mahara. Aiedza kumisa kurwa asi akazorasikirwa neupenyu hwake. Tarwadziwa nekuti anga asiri munhu anofarira zvehondo,” vanodaro Tete vemushakabvu.
By Makhoti
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?