
Mukomana ane makore(14) ekuberekwa kwaMarange akafa mushure mekutsikwa nemotokari yeHonda Fit yaimhanya zvakanyanyisa.
Inspector Luxson Chananda vakasunga mutyairi wemota iyi anoitwa Patrick Masiyakudya (43) wekwaGimboki kuDangamvura .
Blessing Musarurwa wekuMusa Village munzvimbo yaSabhuku Marange aitamba neshamwari dzake apo akarohwa nemotokari yeHonda Fit. Akakuvara mumusoro achibva afira ipapo. Chiitiko ichi chakaitika kuShavambiri Business Centre.
Insp Chandanda vakakurudzira vatyairi kuti vachenjerere zvakanyanya, kunyanya pavanotyaira munzvimbo dzavawanzotambira.