
Mumwe murume wemuHarare akasungwa mushure mekurova sinhi remusikana ane makore (15).
Blessing Nyabvure (19) akasungwa mushure mekubata musikana wake chibharo, arikutongwa naDennis Mangosi kudare.
Blessing akamubata chibharo mushure mekunge aenda kunoona musikana wake kumba kwavo.
Musikana uyu aive wega pamba pavo, Nyabvure paakaona kuti musikana ariwega akamumanikidza kupinda naye mumba mavo maakanomubatira chibharo kaviri.
Vabereki vemusikana uyu vaive vasipo pamba apa.