
Mapurisa ekuMaboleni, Lower Gweru arikufefetera nyaya yemwanakomana (11) akaita tsaona nengoro yaive yapidiguka.
ZRP Midlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti izvi zvakaitika musiwa 02 August 2021 munguva dzemanheru mushure mekunge Ntandokayise Ncune aityaira ngoro yaive isina kutungamirwa.
Vanoti munguva dzaifamba ngoro yakadhuma muti waive pedyo nemugwagwa, ngoro yakapidiguka yakanorova Muzingaye Teddy Ntini musoro.
Mufi akakuvara musoro akafira panzvimbo, nyaya yakanoudzwa mapurisa ekuMaboleni akaenda kwaive kwaitika chiitiko ichi.
Inspector akaudza vabereki vemukomana kuti ibasa ravo kuchengetedza vana vavo muzviitiko zvakaita seizvo.