
Susan Muswaire, ane makore 45 akafira kuSarudzai Health Centre mushure mekurumwa nembwa, sekutaura kwemurume wake Garikai Maworesa.
Mukadzi uyu aive nechirwere che(BP),
Musi waakarumwa nembwa anga aenda kunobvunza chikwereti chake cheUS$20 kuna Saimba padhuze neMainge Road.
Paakarumwa nembwa yepamba apa aive asati aona varidzi vemba kuti akwanise kubvunza mari yake,musi waakarumwa nembwa Havana kukwanisa kumuendesa kunorapwa.
Muridzi wembwa aive asina chitupa chembwa yake. Akazoenda kunzvimbo dzinocherwa Mine kwaGweshe.
Muridzi wembwa anga asina kuzvigamuchira kuti mukadzi uyu angafe nekurumwa nembwa yake.
Kutsiga akaratidza kushushikana uye nekufunga kwakanyanya, aive shamwari yepedyo yemhuri kuburikidza nemunin’ina waSusan Freddy uyo aigara kuSouth Africa.